Jeremiah 25

Makore Makumi Manomwe oUtapwa

1Shoko rakauya kuna Jeremia pamusoro pavanhu vose veJudha mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, iro rakanga riri gore rokutanga raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. 2Saka Jeremia muprofita akati kuvanhu vose veJudha nokuna vose vaigara muJerusarema: 3Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera.

4Uye kunyange Jehovha akatuma varanda vake kwamuri ivo vaprofita nguva nenguva, imi hamuna kuteerera kana kurereka nzeve dzenyu. 5Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi. 6Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire uye muvanamate; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.”

7“Asi imi hamuna kunditeerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye makanditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu, mukaita kuti zvakaipa zvikuwirei.”

8Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Nemhaka yokuti hamuna kuteerera mashoko angu, 9ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi. 10Ndichabvisa pakati pavo manzwi okupembera nomufaro, namanzwi emwenga neechikomba, nenzwi reguyo nechiedza chemwenje. 11Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.

12“Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaiita dongo nokusingaperi. 13Ndichauyisa pamusoro penyika iyo zvinhu zvose zvandakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri nezvakaprofitwa naJeremia pamusoro pendudzi dzose. 14Ivo pachavo vachatapwa nendudzi zhinji namadzimambo makuru; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo uye namabasa emaoko avo.”

Mukombe woKutsamwa kwaMwari

15Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri. 16Kana vachinge vainwa vachadzedzereka nokupenga nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.”

17Saka ndakatora mukombe muruoko rwaJehovha ndikaita kuti ndudzi dzose dzaakandituma kwadziri dzinwe:

18Jerusarema namaguta eJudha, namadzimambo, namachinda aro, kuti aitwe matongo, chinhu chinovengwa nechinosekesa, nechinotukwa, sezvaakaita iye nhasi;
19Faro mambo weIjipiti, navaranda vake, namachinda ake uye navanhu vake vose, 20navatorwa vose variko;
namadzimambo ose eUzi;
namadzimambo ose eFiristia (neavo veAshikeroni, neGaza, neEkironi, navanhu vakasiyiwa kuAshidhodhi);
21Edhomu neMoabhu neAmoni;
22namadzimambo ose eTire neSidhoni;
namadzimambo emuzviwi mhiri kwegungwa;
23neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure;
24madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga;
25namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia,
26namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika.
Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.

27“Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’ 28Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa! 29Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

30“Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti:

“ ‘Jehovha achaomba ari kumusoro;
achatinhira ari pachigaro chake chitsvene
uye achaomba zvikuru pamusoro penyika yake.
Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa,
achidanidzira kuna vose vagere panyika.
31Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika,
nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva;
achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu
uye achaisa vakaipa kumunondo,’ ”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
32Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai, njodzi iri kupararira
ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe;
dutu guru rasimuka
richibva kumagumo enyika.”
33Panguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.

34Chemai uye muungudze, imi vafudzi;
umburukai muguruva, imi vatungamiri veboka.
Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika;
muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.
35Vafudzi vachashayiwa kwokutizira,
uye vakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.
36Inzwai kuchema kwavafudzi,
kuungudza kwavatungamiri veboka,
nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.
37Mafuro ano runyararo achaparadzwa
nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
38Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda,
uye nyika yavo ichaparadzwa
nokuda kwomunondo womumanikidzi,
uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
Copyright information for SnaBDSC